Mharidzo dza Pastor Aldridge
Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Mharidzo dza Pastor Aldridge, Health/Beauty, SEKE TEACHERS COLLEGE, MAIN HALL, Chitungwiza.
15/09/2026
Chokwadi chokwadi ndanzwa zvichinzi kunonoka nezvimwe zvaikunetsa zvapera ! Kune shanduko iri kuitika .Chasara kungotenda chete!
Bvumira neni!
Vanhu musangoverenga musingazonamate , ngatitonamatai , like kutonamata namata chaiko .
15/09/2026
KUNAMATA KUNOKUPA MUKANA WAKANAKA PAMUSORO PE MVURA DZEHUPENYU
Vadzidzi vainge vatoyenda ,Jeso asara. Mhepo ndokusimuka. Mafashamu akange zvino ashatirwa. Dutu ndokutanga kurwisa ngarava.
Asi Jeso akauya achifamba pamusoro pemvura yainge ichivarwisa.
Raive dutu kwavari ,yakava nzira kuna Jeso.
Chikonzero?
Nekuti hupenyu hwunosimbiswa nguva yekunamata ,unokupa mukana wakanaka mumweya.
KUNAKAMATA KUNOKUPA KUKASIKA
KUNAMATA KUNOKUSIMBISA
KUNAMATA KUNOKUPA NYASHA DZEKUSIMUKA PAMUSORO PEMHEPO
KUNAMATA KUNOKUCHENGETEDZA MUMWEYA
Mvura imwechete yakange ichirwisa vadzidzi yaive mvura imwechete yakatakura Jeso!
Mweya pamwechete ne Nyasha dzekunamata ngadzigare pauri.
Kunamata ngakuite mushonga wako unokupa simba.
KASIKA panonoka vamwe
CHENGETEDZWA panosimuka mhepo.
Famba pamusoro pemvura yainge yakanzi ichakunyudza nemuvengi.
Nezita ra Jeso Kiristu AMEN
Kana uchitenda taura kuti
“NDICHAFAMBA PAMUSORO PEMVURA”
Goverana mharidzo ino nemumwe munhu arikuda simba rekukunda mhepo dzakamusimukira.
15/09/2026
Mwari mumwechete akayendesa kumberi Mozisi na Aroni ngaakuyendese kumberi , simudzwa ubude kubva pachiyero chauri ichocho nezita ra Jeso !
1 Sam 12:6
12/09/2026
Baba ndipei nyasha ndipedze chose chandakayanga muhupenyu hwangu. Ngapasave nechandisina kupedzesa nezita ra Jeso !
Numeri 7 vs 1
12/09/2026
Hauna chikonzero zvachose chingaite kuti usave pakati pemhuri iyi. Hauna chinangwa zvachose chingaite kuti upotse kusangana kwevanhu ku City of Truth.Ngatisanganei mangwana. Pauri kuuya ziva kuti tinokugachira nemufaro , tichange takakumirira!
12/09/2026
Hauna chikonzero zvachose chingaite kuti usave pakati pemhuri iyi. Hauna chinangwa zvachose chingaite kuti upotse kusangana kwevanhu ku City of Truth.Ngatisanganei mangwana. Pauri kuuya ziva kuti tinokugachira nemufaro , tichange takakumirira!
12/09/2026
Mwari muridzi wa Numeri , muridzi wemanhamba , ndirongerei hupenyu hwangu nezita ra Jeso !!
Numeri 4
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Website
Address
Chitungwiza