Neils Professor

Neils Professor

Share

Tinoita zvese pano ma novel,nyaya dzese dzirikuitika tokupai

11/08/2023

Are you ready for Marine spirit chapter 6

22/07/2023

Marine spirit..
By.Evangelist .B.Tenhedza.

Chapter 5.

Ndaivhura madoor edzimota dzose ndichida kuona kuti mukati macho munei.Ndaiona mune bhuku remota riri muzita rangu ne ma keys acho akatorembera pa ignation.Asi mu Range Rover ku bhuti ndiko kwaiva ne shura rese.Maiva nechisaga chaiva nezi nyoka yaita kushinira nehasha .Raive rakaita hata imomo raka tenderedza chimwe chihari chaiva chakavharwa ne jira dzuku pamusoro...

Hazvina kundityisa kuona zi nyoka iri nokuti ndiko kwaiva kwava kudya kwedu .Makare kare angu ndichiri ku Zimbabwe ndaitya nyoka zvokuti ndaiti ndikaiona mu tv ndaitorara ndichivhumuka.Asi apa ndaive ndajaira zvekuti ndaitotamba nadza chihwande hwande pada nechisveru.Ndakatenderera ne chivanze chose ndakavhura maziso kuti ndione kuti zvinhu zvose izvi ndiani muridzi wazvo kana kiti ndiri kurota.Ndakazvibvunza ndoga asi hapana munhu wandati ndaona pamba pano and pakanyara kuti zii.Ndiri pakurova ma chipoko round kudaro ,ndakaona kamwe kamba kaiva kuseri kwe imba hombe iyi.Ndakavhura gonhi rekamba aka mainge mune zichair rakafanana nerandakaona pasi pemvura ndikati hezvo.

Padivi pacho paive nehari mbiri dzine ropa raipfungaira hutsi.Ndiri mukamba kaye ndakadzwa bhero remota kunze kwe gate kurira.Hana yangu yakarova kuti pamwe varidzi vepamba apa vauya wanikwe ndi Janeta.Ndakafara kunge benzi ranhonga pito pamuchato."Awe Madam boss madii zvamauya zvanaka "ndakadaro ndichivapa hug'.Kufunga kwangu ini Janeta uyu aiva chi spirit in a human beign form.Ndaiva ndamu shaira mupanda kubva pana mu va mu mi ri ma chi zvi idzi....

Pamutauro apo aingona kutaura chirudzi chose Zulu ,xhosa, Africans nechi Shona.Ndakabva ndarangarira mufundisi wangu achiti varume chenjerai musango chiva vakadzi vose vose vamunoona munzira umo.satan ane ma agents ake anouya kuzoparadza dzimba.Munhu gara uchinamata nguva dzose siku ne sikati pose pawawanira mukana.Musikana uyu aive akanaka zvisina akamboona akanatsogadzirwa na satan kuti varume vadyire.

19/07/2023

Kudenga ..
Chitsauko 1.

Preparation to go..

Ndakapedza hangu basa ndorongedza muhofisi mangu kuitira magwana zvindiitire nyore pandinosvika ndongotora ma pepa angu ndoenda nawo ku Mukwati.Hofisi yangu yaiva iripana Julias Nyerere way na Nelson Mandela muHarare paive ne Time Bank makore mashanu akapfura.Yaiva hofisi yemuturikadzanwa ye chitatu kubva pasi zvekuti ndiri mukati ndinenge ndakatarisana ne Harare Post office.Ndakatarira nepa hwindo ndoona vanhu vainge vatozara panze vakamirira michovha inoenda kwa Seke Chitungwiza.Nyaya yedu yekuda zvakachipa zvema $ inoparira nezvinhu zvaoma pa Zimbabwe unenge uchida ku saver...

Zvaindiitira nyore kubva muhofisi mangu ndodzika ndomirirawo nekuti ndaigara kwaSeke ku Unit O.Ndakasviko mirapo nevamwe michovha yainetsa zuva iri,yaingove ST Marys neMakoni nekunze.Vakambo kwirira munzira muna Seke Road vanoziva zvandinoreva.Vakomana vano kumbira nechemumoyo (Matsotsi) vanenge varipo varipabasa vachibata homwe dzevanhu .Ndakamira kachinguva ipapo pakauya chimwe chimota chipick up ,mutyairi akashevedzera Makoni vanoda kuenda hendei nena 50 c ndakati zvaro gonzo kuwana nzungu dzakakagwa.Pakaita kumanikidzirana vanhu vachipinda mukati ,ndini ndakazoita munhu wekupedzisira kujambira kupinda mukati.Ndakasviko tsvedza ndodzoka ndokurovera pasi negotsi zvekuti musoro wakarira kunge nhanga radonha kubva mugoro.Kubva ipapo handina kuziva chakazotora zvimbo kuti ndakatakurwa nemota iye here kana kuti ndakaendeswa kuchipatara...

Mashoko andakapedzisira kudzwa achibva kuvanhu vaiti haaa atofa uyu atsemuka musoro.Ndakaita kunge ndaputirwa nejira dema mune mwenje ndobva ndavhurwa zvekare.Ndakanatsoona inga ndava nemitumbu muvirai,ko akarara apa ndini wani inga ndikubuda ropa wani chii chaitika.Vanhu vakaungana vakawanda kwakauya mapurisa ne Ambulance ndokutorwa body yangu kuenda navo kuchipatara.Ndofunga panguva iyi ndaiva ndava mweya nemuvhuri ,ndaiedza kutaurira vanhu kuti ndini ndadonha apa handina kukuvara asi mapurisa vatora mutumbi wangu.Vanhu ndaivaona asi ivo vainge vasingandione nokuti ndaiva ndava spirit iri mumhepo.

Pasina chiguva ndakaona varume vaviri vachiuya kubva mumakore vakasviko mhara pandaive ndiri.Vakataura neni vachiti tauya kuzokutora kuti tiende kudenga ndafa.Ndakaita nharo navo kuti monditora sei ini ndichitaura ndisina kufa.Umwe wevarume ava akati wafa mweya wako ndiwo mupenyu asi mutumbu wako wazorora.Ndakatanga kushevedzera kuvanhu kuti ndibatsirei nhai vanhu hamusi kuona zvikuitika here.Ndaitoona vanhu vachitofamba famba dzimwe mota dzichitopfura nepataiva takamira muroad imomo asi tisingatsikwe.Umwe wacho murume akazoti hatina nguva yakawanda isu tingori vatumwa hendei unozvionera mberi .Vakabatana maoko pamwe neni ndoona takutobhururuka kupinda mumakore.Ndakazoona tavakufamba mune rimwe zinzira rakapamhamha hakuna miti kana dzimba kuzvimbo iyoyo.Ko nhai varume tiripi ndidzorerei pasi ndiende hangu ndine mukadzi nemwana mucheche vakamirira kuti baba varikuuya kubva kubasa ini ndiri kuno.Ndaitaura ndichida mhinduro asi varume vaya vaive vakanyarara zvavo,tafamba kudaro ndakazoona zigedhi zirefu refu rinokupenya zvekuti....

fambai neni muzohwa kuti tasvika pazigedhi riya ndakapinda here or kwete.Ko baba vangu vakashaya 7 yrs pandakavaona vakati chii kwandiri.

19/07/2023

Marine spirit ..
By.Evangelist B.Tenhedza
Chapter 4.

Ndakarongedzerwa mari yangu yakawanda yakangoiswa mu chibag kuti dyoo.Asi aiva ma USD ,Uro nema Rands pasina maZim Bond .Janeta akazouya kwataive tiri akanditora ondipa kamwe kajira ka tsvuku kekuti pese pandinenge ndiri ndinenge ndinako muhomwe.Kachira aka aiti kari powerful zvekuti chero ndikaenda kuchechi ipi zvayo Pastor vepo kana vasina kusimba hapana chavanoona kuti ndiri mu satanist. Takazofamba hedu tichitaura nyaya tichiseka ndisingazive kuti kwandava kuenda kwakaoma ndavakunodira Jecha musadza ....

Chakandi shamisa pana Janeta mukuru wedu uyu aingo chinjer chinjer apa aiva Juzu pamwe anomboita muviri nyoka musoro wemunhu.Ndakazo mubvunza kuti saka ini ndichazoita wo here juzu sezvaunoita izvi .Akapindura achiti kana ndauraya vanhu vanosvika 50 zvichienda mberi.Takasvika muchi ground chatakasvikira chiya zuva riye rekutanga .Ndakamiswa pamberi zvekare pakauya mumwe murungu nenyoka yerudzi rwe Cobra.Akandimonera muchuuno mangu zvekuti ndakadedera.Baba vaye vekudiisa matattoo vakauya kwandiri vakabata cup ine ropa mukati....

Vakasviko mira pamberi pangu vakanditambidza cup iya ne tsono mumaoko angu.Vakati pane face ichabuda mucup imomo unofanirwa kuibaya netsono.Hana yangu yakarohwa nehana ndichiona vari sisi vangu mai Tonderai.Yainge yatodeuka kare haichadyoreka kuti ndirambe zvaisaita asi kungodyunga chete .Ndakango vhara maziso ndiye mai Tondera dyuu netsono pamoyo.Ndofunga kuti vakabva vafa vari ku Zimbabwe ikoko handizivi.Vanhu vakaombera maoko ropa riya rakabva radirwa mu coffin raiva riri kumashure kwangu. Panguva iyo ndakatanga kubuda mapapiro muhapwa mangu ..Apa ndaiva ndasimba manje ndakungoti chauya chauya, zvandaiona mukati me Ocean pasi pemvura apa zvaiva zvakora kudarika mai Chisamba show...

Pakazoita ruzha rwaibva mudenga vanhu vakatanga kuombera maoko.Ndakacheuka ndakaona mazishiri maviri ma Dragon uchiuya pa stage pataive tiri.Akasviko mhara pedyo neni ndokushama muromo.Aiburitsa zvihutsi zvainhuwa kubva mukanwa mawo hwema hwacho huchiuya pandiri.Handizivi zvakazoitika kubva ipapo kuti ndakabuda sei pasi pemvura apa.Kana kuti madragon aye akazondiita sei hameno.Ndaka zopepuka ndiri mumba ndakarara pa bed handizive kuti mumba umu ndakapinda nguvai.Ndakamuka ndobuda ndichida kuona kuti ndiri mumba mani uye ndiri kupi asi hapana munhu wandakaona mumba umu...

Zvese zvaiva zvirimo kusanganisira furniture yakanaka hapana chaishaika imomo.Ndakadzika nema step kubva ku bedroom kuenda pasi mu dinning room ndakavhura door ndobuda panze.Paiva pane mota shanu (5) mbishi,Range rover,Benz,Hammer ,Audi ne Navara.Mota idzi dzairatidza kuve nyowani ,ndaivhura ma door ndichiona ma keys acho arimo mukati.Asi imwe yedzimota idzi mu Range rover kubhuti kwaiva nez......

To contiue chapter 5.

Fambai neni muzohwa kuti pandakafonera ku Zimbabwe chii chaiva chaitika,ko pandakazoenda kumba kwa Pastor Jaure vakazvibata here kuti ndamu satanist.Ndakuti muone simba raMwari.

13/07/2023

Marine spirit....
By.Evangelist B.Tenhedza.

Chapter 3...

Hama dzangu zvandakaona pasi pe mvura apa zvinokunda goma kurira kuti pangu pangu.Aiva mashura chaiwo kuona mukadzi ane mhazha handisati ndamboona zvakadaro kubva mukuzvarwa kwangu.Pasi pemvura paiva pakanaka zvekudaro ndaita kunge ndasvika ku Las Vegas kana kuti Dubai.Asi chaizotyisa muzvimbo iyi manje zvinyavada ,mazizi ne zviremwa remwa zvaibhururuka zvaiva mavhu nemarara kuwanda...

Hama dzangu satanism is real ndakazviona kuti satan kudenga haako asi aripano pasi paari kutonga.Takasviko gadzikwa pane rimwe ground neJuzu dziya ,hembe dzandaive ndakapfeka dzaiva dzakaoma asi ndakapinda nemu mvura kuti ndisvike kudzvimbo iyi. Mu zvimbo iyi maive makazara vanhu vakawanda varungu, vatema,marudzi ose.Vanhu ava vaiva vakapfeka zvitema zvakasviba kuti ndoo kunge ma svosve mukange.Pavakationa vakatanga kuombera maoko vamwe vachiridza muridzo vachiratidza kuti gamuchira nemufaro...

Takabva tagariswa pazvigaro zvedu zvaiva ku kumberi kwevanhu vose.Janeta uya akazouya achinja chimiro chake zvino .Aiva apinduka musoro wake waiva uri wemunhu asi muviri wake uri nyoka akasviko mira kumberi kwedu.Pakasumuka mumwe mukadzi akabata chidhishi chaiva ne misoro yevanhu isina kubikwa vaikwana kuita gumi(10).Misoro iya takapiwa wake wake wairatidza kudziya ne kuva flesh zvakare.Handizive kuti yakabva kupi ndofunga kuti yaibva panyika ndivo vaiva konzeresa matsaona kuti vanhu vafe kuti tiwane kudya kwedu kwamanheru ...

Takagoverwa musoro iya ne chigaba chake chake cheropa kuti patinenge todya misoro iya tiwane chekudzikisira nacho.Panguva iyi painge pasisina kuramba asi kungotevedza zvavaida chete.Ndakatarisa vamwe vandaiva navon pagroup redu iroro vainge vakutodya nyama dzevanhu idzi.Ndaidya hangu asi moyo wangu wainge watomira kuti ndirutse zvairamba.Hapana aitaura nemumwe panguva iyi kudya chete.Takapedza vanhu vaye vakaombera maoko zvekare.Janeta azoti makorokoto mapasa mose 1st stage.Takambozorora hedu tichiona zvaiitwa imomo...

Pasi pemvura apa pane ma factory akawanda anogadzira zvose zvinotegeswa panyika kusanganisira hembe ,ma ring ,nema neckless nezvimwe zvakawanda wanda.Zvinhu izvozvo zvinobuda mumvura zvonotengeswa kunze kumashop kana mu ma street.Ndakabva ndarangarira kuti kuzvimbo ye Cape town yandogara kune zvimbo inotegeswa ma chain,rings nema earings ku Belvile zvinhu izvi zvaka cheaper.Nekusaziva iwe munhu unongotenga opfeka kana kuisa muhuro hauzive kuti zvabva nekupi.Wese anenge atenga chinhu chabva mu sea world umu anenge atotengesa soul yake kuna satan.Tichifamba kudaro takaona juzu mbiri dzichiuya kwatiri ndokutevera kwadzai enda.Takapidzwa mune imwe imba takagariswa pasi zvekare....

Kumberi kwedu kwaiva ne bhenji(chair) re goridhe zihombe pane mumwe murume aiva akagara ipapo .Ndaka natsomutarisa aive ane nyanga mbiri mumusoro.Padivi pake paiva ne chi mushini cheku nyoresa ma tattoo.Mumwe nemumwe aisumuka achinoiswa matattoo ako matatu (3) pahuro paruoko nepamhanza.Nguva yangu yakasvika ndikaiswa matattoo e chimhuka chandisina kuziva kutii ichii i mhuka rudzii.Pahuma apa ndakaiswa 666 asi murume uyu aiti, kana tabuda mumvura umu tadzokera panyika kunyagwe tikafamba muvanhu kana munhu akakutarisa pa mhanza pako hapana chaanoona kana asire mu satanist.Tese takapera kuiswa matattoo aya ndokutanga kubikwa neropa rakasangana nemushonga...

Ndakazobvunza kuti vaitibika nemushonga sei, baba vaye vaiti vaitisimbisa kuti tisavhunduka kana kutya pane zvatichasangana nazvo.Zvose zvapera takazopiwa mamwe maziring atakaisa mumaoko ekuti kana uchida kuti bus riite accindent unongori nongedzera chete pasina chinguva rinobva ratouraya vanhu.Ropa racho rinenge richiuya kuno ku mvura torichengeta pamwe nekuri shandisa.Pavanhu vese ndini ndakazosarudzwa kuti ndini ndichatanga kubuda ndoenda kunze kwemvura.Ndakarongedzerwa mari nezvimwe zvakadaro....

part 4 coming soon

10/07/2023

Hide my name. Please post for me anonymously

Askana I need sound advice. Ndakambodanana nemukomana wangu a few years ago bvaaroora mumwe. Ndakarwadziwa zvikapera. Pasina nguva anga aakunditsvaga achiti anga aitirwa chipfambi nemukadzi ndakatomu blocka. Saka mukadzi wacho ndaimuzivawo hangu and ndakazongonzwawo vanhu vachiti ndozvaari kunzi akaita zveshuwa but inini moyo naye ndandisina achitondiratidza maMessages emuridzi wemumurume achinzi mukadzi wenyu aakudanana nemurume wangu.

So it's like two years zvaitika but mkomana achiri kungoti ndoda kukuroora I know ndakatadza. Plus havana kuzombogara vese ini ndandichingoramba.(I cannot get into detail but it's true)

Nyaya yaapo mukomana akabuda aakugara mhiri achiri kungonditi kana uchiri kufungawo nezvangu ndokumbirawo uuye ndokuitira mapepa ese zvese nekuroora

Inini ndikuda kuziva kuti zviri safe here because even though ndakamuregerera mumwe moyo uchiri kungoti ko akazochinja. Atoo kuma 30s but not over 35. He's a professional engineer too and haana mwana

Chii chiri safe askana. Sorry ndarebesa

10/07/2023

Marine spirit ...
By Evangelist B.Tenhedza..

Chitsauko 2

Ndakatadza kuvhura muromo ndichibvunda kunge munhu abaiwa injection re T.B.Musana wangu wakatota zviya zvekubuda tumvura twakatotesa vhesi randaiva ndakapfeka mukati me shati.Musikana uya akasumudza ruoko rwake pa pachigunwe pake aiva nezi ring re gold raipenya zvekuti.Ndakasanganidzana maziso angu ne ring iya yaipenya kuita kunge mhenikadzi .Kupenya kuchipera ndakaita kunge ndavharwa kumeso ne jira dema kuita chadzimira.Makumbo angu akatanga kupera simba kunge munhu adhakwa neMusombodhiya ndichibva ndangoti bvududyu kudonha pasi...

Ndakatanga kufunga kuti chingave chii chiri kutora zvimbo pano.Ndino rangarira svondo rapfuura tiriku youth conference ku Maitland Pastor Jaure vainge vaparidza nhau yema relationship.Vaitsanangura vachiti usati vapinda murudo tanga waona kuti brother or sister vauri kuda kuitisana navo vari sei.Vaiti paunonamata minamato yako inofamba so,inotanga yapinda mumhepo yosvika ku Spiritual realm yabva imomo inozofambiswa ne ma Angels (Ngirozi)kuenda ku Heaven.satan akadzigwa kudenga ndokuuya kuzogara pano pasi.Saka its easy to attack your prayers ,1st anogama minamato yako kana usinganamate zvine mutsindo zvinoda ma pray and fasting nguva dzose...

Vakatsigira zve vachiti paunonamata kuna Mwari kuti unoda kuwana kana kuwanikwa satan anenge ari muzasi achiterera wo request yako.Mwari vanotora nguva yavo yeku kutsvakira munhu kwaye akavimbika.Asi satan zvaanoita manje uchingobuda muchechi imomo anenge atokuwanira wake kare.Ndichifunga kudaro ndakayedza kuvhura maziso angu asi zvaindi rambira.Handina kuzoziva kuti ndakazopinda sei mu Range rover muya .Ndakazongorekana ndava mumota muya kumashure hana yangu yakarova nekudzwa kutya panguva imwe chete.Ndakashevedzera kuti... "mukuenda neni kupi?".Muskana uya akapindura "ah uri muZimba hako.Panguva iyoyo maoko angu ainge atosugwa mbiradzakondo ne nengetan(Chain).Ndainge ndagariswa pakati pevarume vairi zvino vaiva mamonya vakasimba kudarika Zikhali wekuwandira pachifu uya muviri wavo vese vaiva wakazara ma tattoo anotyisa.Mota yakaratidza kuti yasvika ndaive ndakavharwa kumeso ndotakurwa kupidwa neni mumba.Ndakazobviswa chijiira chainge chakasunga kumeso kwangu ndikaziva kuti maone atanga.

Ndakatarisa padivi pangu paiva ne rimwe door .Mukati macho maiva neruzha rwe vanhu vaichema.Hana yangu yairova ndikati nhasi pangu papera.Asi ndaiziva hangu kuti wandinonanata mukuru Jehovha zvoshamisa.Pasina nguva musikana uya wekunditakura ne Range Rover akadzoka akabata chibhokisi chitoko toko mumaoko ake.Akauya pandaive ndiri hapana chaakataura neni akangovhura ka bhokisi kaye akaburitsa tunyoka tuviri mukati.Ndakaedza kurwisana naye asi ndaiva ndakasugwa makumbo nemaoko ne getani dza Chihuri chaidzo.Apa ndakanatsoona kuti shiri yabvuta rekeni zvino.Tunyoka twaita kunge tu Tsvikukuviri tunofamba nguva yekunaya kwemvura kumamisha tuye tune musoro muviri .Vakakurira kumamisha vanotuziva zvekuti kana kachifamba ukakaguma so kanobva kafamba kachidzoka nerime divi.

Akabata muromo wangu ndokuuvhura zvechisimba akandonyera tu nyoka tuya mukanwa mangu.Semunhu aiva akasungwa hapana zvandaikwanisa kuita kusvika apedza neni kuita zvaanoda kuita .Tunyoka tuya ndakatuhwa tuchinatsodzika nehuro yangu tuchipinda mudumbu chaimo zvinyoro nyoro.Pakauya vamwe vasikana vaviri ndivo vakazotanga kundibvisa hembe dzese kusara ndapa Birth suit.Vapedza vaka ndipfungaidza kumeso kwangu nezvimwe zvi mushonga zvainhuwa kunge mushonga wedonje.Ndakazopiwa 2lts yeropa kuti ndinwe raiva rakakora kunge lacto .Vose vakabuda ndikasara ndiri muroom umu ndoga.Pfugwa dzangu dzakatanga kutenderera mudumbu muchiita kukwata kunge munhu adya muriwo une rogar.Ndakatanga kurutsa pamwe nekuchaya panguva imwe.Ndakazodzwa vanhu vachifamba vachiuya ku room kwandaiva ndiri .Pavakavhura door ndakaona musikana we Range Rover uya achipinda. Muviri wese waiva wapinduka kuita Juzu asi musoro uchiri we munhu.Vakandisunungura paye kuda kuti ndifambe ndaiva ndisisina simba...

"Okey my brother welcome to... satanism congratulation",my name is Janeta.Ndakatadza kana kupindura chandaikwanisa kuona zvaiitika chete.Janeta uya akazotanga kutaura pa foni,hameno kuti aitaura nani achiti vanhu vangu vakwana saka ndakuenda navo ku Ocean.Pakazobudiswa vamwe vanhu 9 muroom muya maichemwa tikabva takwana 10 neni.Takapiwa zvihembe zve black kuti tipfeke pamberi pacho paiva pakanyorwa 666.Takapidzwa mu chimota chisina ma window ndokuendwa nesu .Handizive kuti taiendwa nesu kupi nokuti hapana chataiona .Mota yakazongoerekana ya mira takaburuka kudai ndikaona kuti tiri kuma hombekombe kwe Atlatic Ocean.Nguva dzaainge dzafamba kwatosviba takaita mudugwe kunge majuru akuvaka churu tichipinda mumvura .Takatambirwa ne juzu gumi(10) mumwe nemumwe akabva amira ne juzu yake.Ndakabatwa nejuzu iya yakandivhara maziso ndokusumudzwa makumbo mudenga musoro pasi.Pasina chinguva pakangouya chamupupuri takasumidzwa tose mudenga takanokadwa pakati pe Ocean.Takarova chamu nyurududu kusvika pasi pemvura.Hama dzangu zvandakaona pasi pemvura apa zvakaoma......part 3

Fambai neni muzohwa kuti pasi pemvura apa painge pakaita sei,Ko vamwe vaimbi ne ma Pastor veku Zimbabwe vandakaona imomo ndevapi.

N.B ...kana uine hana isina kusimba usaverenge kutanga pa chapter 3 - 31 unovhumuka.Ma Pastor achataurwa munovaziva vane masimba avo anobva kumvura /satanism kwete kuna Mwari.

10/07/2023

Hallo guys how are you share this page tiwane ma followers akawanda zvifambe.

Want your business to be the top-listed Beauty Salon in Cape Town?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Telephone

Address


8 Tulip Street
Cape Town
7441

Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Tuesday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Thursday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00