SHONA NOVEL

SHONA NOVEL

Share

Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from SHONA NOVEL, Health/Beauty, Pretoria.

18 • MAI JAY NOVELS 01/09/2022

💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭

NDAITI NDAZVIWANIRA

😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭💔💔💔💔💔💔💔💔�

Chapter 7

Ree(aka mama p*e)

Vadikani muchiita chinhu tangai mafunga kana usinganzwisise bvunzao umwe munhu unogona kubuda nezvinobatika, ndirikunzwa kunyara nemabororo andakaita kuhurira murume wangu neshamwari yake, Nathan aishandisa inini kurwadzisa Jabu asi ariye akazviputsira imba yake nechihure chekurara namainini ovapa mimba apedza oti ndakanyeperwa, paakandiudza nhema dzake idzodzo ndakatozvibvuma kwakutotsamwira murume asi ndakazopera simba ndaratidzwa video yake achiita zvisinabasa namainini vake, ndakademba kufa musi uyu hama wee saka waindinyepera pose apa nhai achindishandisa kuparada imba yangu, ndakatanga kuchema murume akandibvunza ndikanyepa asi ndaichema kuzvitmbisa kwandakaita kurara nembwa inonzi Nathan

Mazuva akafamba aiti akandifonera ndomunyararira dzose ndaka block ndange ndisisade kutaura kana kuonana naye zvachose paakandishandisa pakakwana andichada, zvake zvekuti anema video zvekunyepa izvo kuda kundityisa kwaarikuita uko, hubenzi hwandakaita dai ndisina kubvira ndambobvuma kuonana naye musi wekutanga mapic chero dai akamatumira ndaitsvaga zvekutaura manje ndakapusao kwakundoshandiswa, ange akundigarira ndichienda kubasa kana pandinopedza basa ndakabva ndatoona kuti munhu uyu akundijairira ndoda kumuudza chokwadi, ndakamuudzisa akasara asvava ndikati zvapera kaa ini kumba ndange ndongogara ndiri zii uye fon yangu ndiripamba ndaidzima kusada kufonerwa, rimwe zuva ndakabuda ndichinoona sahwira wangu ndaidao kunzwa pfungwa yake, ndakazofonerwa nemurume ndiriko kwakudzoka kumba

Ndakasvika ndichitambirwa nemashura akadedemara chaiko video rakatumirwa murume wangu raive nemunhu pasi manzwa here, murume wangu akaridza mhere akanditarisa zvekuti ndakademba kuti dai pasi paivhurika ndakanyura muvhu zvipere hazvo, akandibvunza kuti ndaiitei apa imi unopererwa manzwa here, ndakazorondedzera zvese kubva pekutanga kusvika pakuzorara tose murume wangu akabva ati zvoni

Jabu,,,,,, nhai mai vemwana wangu ndakakutadzira zvakanyanya kuita sei kusvika pakunokumurira umwe murume hembe, zvese zvaunoda ndokuitira wani kuchikoro ndakakuendesa wani kuzadzisa chisuo chemoyo wako wakushanda asi mari ndinongokupa, ini murume wako ndinoshuwira kukufadza muno mumba uchiti wakaneta asi apa waita kuuruka chaiko asi wange wabva pano uchiti wakaneta why babe why

Ndakanyara manzwa ndange ndakutyira kuti anofa neshungu mwana wevaridzi, takazorara ini pa bed iye pasi, andimusvori nekuti ndaisemesa zveshuwa ndiri mukadzi rudzii anobvisira murume wasiri wangu hembe regai andiseme, akamuka kuseni ndokubuda ini ndokurongedza chinoti changu chese kwakuisa mumota ndokurova pasi kuenda kumusha kwevabereki vangu, kana achindida achanditeera ikoko totangira ipapo parizvino ndombomupa nguva ndakamurwadzisa murume wangu uyu mufunge henyu, ndakasvika zvakanaka hangu kumba ndokumborara zvangu ndaida mumbozorora ndakabva ndarota gogo vakatsamwa ndokubva vati

Gogo,,,,, Ree ndakakurera zvakanaka ndikakuraira pawange wakuenda kumurume kuti muviri wako haufanire kuonekwa neumwe munhu asiri murume wako, saka apa wakazvifambisa sei manje

Me,,,,, 😭😭😭😭😭😭gogo sorry andizive ndakaputirwa nei kutadza kuziva kuti ndirikuita zvakashata

Gogo,,,, dai wakaudza murume wako musi waakutumira mapic aizotsamwa zveipapo zvopera pane zvawakaita izvi, murume wako anokuda uye achakuregerera asi zvichatora nguva kuti akanganwe zvawakaita, kana akateera ibva waita mwana ndiko kuti akuregerere zvekukanganwa hufende hwawakaita benzi

Vakabva vandirova mbama svinu chaiyo ndokubva ndapepuka ndichivhunduka, ndakagara pasi kwakunyatsofunga manje zvandakaita zvese ndikaona kuti Nathan ndofanira kumuitira zvikuru zvasingafe akakanganwa muupenyu hwake hwese, ndakabva ndafunga kumufonera kuti ndimuudzise yakati ichidairwa akabva atotanga kutaura iye

Nathan,,,,, kkkkkkkkk ndange ndakatoimirira call yako ufunge hako, unoziva chii Rebecca wakapusa shuwa ungatyiswa nema pic chaio kkkkkkk manje urikudei patakatamba pakakwana

Me,,,, kkkkk yes patakatamba pakakwana waiti ndichiri kuda kutamba newe here nhaiwe imbwa, ndafonera kuti ndikuudze kuti zvawaida chaizvo zvaita waputsa imba yake futi sekuputsa kwawakaita yekutanga kurara nemukadzi wake vanove mainini vako, manje mira ndikuudze dia yawatanga iyi wochisunga dzisimbe nekuti takuzvitangidza manje

Ndakabva ndadrop call yangu andina kumupa mukana wekutaura zvisina basa chaizvo, ndoda kumubata panonaka chaipo kwete zvekuseka ibenzi remunhu murume uyu nhai akajaidzwa chaizvo ndodakunyatsoita zvinhu zvangu ndisingamhanye zvangu, ndakageza kwkudya ndokudzokera kunorara nekuti kwange kwavira ndakabva ndafonerwa nemurume wangu, aindibvunza kuti why ndabva pamba ndadzingwa here nekuti achiri kundida, pandakapedza kutaura naye ndakaridza mhere svinu chaiyo shuwa murume wangu anondida sei ndakafuririka kudaro kurara neduzvi iri nhai veduweee, zvakandipa kuti ndiite utsinye chaihwo ende andidi kuti zvimbozivikana nani zvake kunze kwangu newandichashandisa

Ndakaita two days ndiri kumba ndichifambira ma paper angu ndaida kuvhura chipatara zvishavani, azvina kunetsa zvese zvakafamba change changosara kuvakira mukati nekuisa zvese zvinodiwa mukati nevashandi vacho, murume wangu akazouya kuzonditora kana kuratidza zvake kuti ndakamuhurira kana zvake, ndakadzokera kumba kwangu zvakanaka ndokusvika ndikatambirwa nemaoko maviri chaio zvandaisafungira, pakafarwa kani zvekuti ndakazviudza kuti andichaite futi hubenzi hwekunyepera murume wangu uye kubuda pamba kana ndisiri kuenda kubasa, zvese izvi zvakakonzerwa nehubenzi hwangu ndakanyepera murume kuti ndirikuenda kubasa apa ndichienda ku party, ndipo pandakaresva ipapo takazoti takurara akabva ati

Jabu,,,, babe zvakaitika zvakatopfuura ndofunga azvichadzokororwi futi anditi

Me,,,, I am sorry my love andichazvipamhizve I promise 🤞

Jabu,,,, OK swty ndange ndafunga kuendesa mhamha na Princess kunze kwenyika vambondogara ikoko kwemazuva vozodzoka havo pane zvandoda kuita, saka andide kuti vazovhiringidzwa

Ndakabva ndaziva kuti paita hondo apa Nathan anozviona seakachenjera fani toda kumugadzika mudish rinebvura inopisa,mazuva akafamba ndakatsvaga zveupenyu hwa Nathan ndikaziva kuti vabereki vake vose vapenyu uye vanema business avanao iyeo anao muharare nekunze, kunove south Africa ndakabva ndataura nemwana wevamwe mai vandaishanda navo ndaivatora samai vangu, ndakavakumbira kuti mwana wavo andiitireo basa randirikuda avana havo kuramba ange atokura ave ne 26

Ndakataura nemurume wangu pane zvese zvandaive ndafunga akati azvina kushata asi muite zvinhu zvenyu makangwara nekuti munhu wamurikuda kutamba naye chigevenga, ndakambovhunduka but ndakati ndofa ndaedza andikundikane ini ndakapera Simbisai ku joni ndakanomusiya kuimba yedu yataive tatenga week iroro kuitira kuti agare achiita basa, mazuva akafamba ndokubva azowana basa pa company ya Nathan ndakafara mufunge Simbisai aive nemukomana wake saka vaigara vose ipapo

Rimwe zuva akandifonera achiti boss vari Joni uye varikumuda kumuroora ndakaudza murume wangu akafara zvisingaite takatoendako ndokuronga zvinhu zvedu, ndokudzoka kumba kwedu mazuva akafamba boss ndokubva vadiwa kkkkkk fake love, musikana akati atina zvatinoita tisati taroorana nekuchata boss ndokubvumirana nemwanasikana, ndakanzwa kufara chaiko zuva remarooro rakuda kusvika takaenda Mozambique ndokunotenga vamwe baba namai kuti vamire sevabereki va Simbisai

Takabva tatsvaga one room kwamutare ndokuvaisa ikoko hedu, zuva racho rakazosvika boss vange vakachena wena kkkkkkk ende futi ini na mai vemwana chaivo taivepo nemurume wangu taivetose, ende paichajiwa mari kwete zvekuseka kani zvekuti dai akangwara angadai akazviona hake kuti arikutambwa apa, zvakaitwa zvikapera boss vakakumbira muchato ndokupiwa three months avana kumbopokana nazvo ndokubva vatoti vanoda kutengera vabereki vemukadzi imba harare

Mazuva akafamba imba ikatengwa ndokuiswa muzita ra Ngoni mwana wamai vaigara kumba kwangu aivepo akamira sabhudhi va Simbisai, muchato wange wakugadzirwa manje uyu akadzoka kuuya kuzogara nevabereki vaya vatakatenga, kuma business evabereki va Nathan takaisa vashandi ikoko ndokubva tavaudza zvekuita kusvika ma business ese evabereki vake apinda muzita rangu ose, kwange kwasara eshasha iyoyi ndio ataida kuisa muzita ra Joseph murume wa Simbisai anorira chete

Mazuva akafamba tichironga kuti toita sei kuti titore ma business aya nekuti aive kwakasiyana evabereki vake haana kunetsa aive muno mu Harare ose, takazobhadhara mukomana aiona zvese pa company apa ndokubva atiitira zvataida, apana kuita mazuva ma business ose ange amuzita ra Jose kwange kwachisara zuva remuchato chete, mazuva akafamba kwatwosara three days vatakatenga vaya takavaendesa kumba kwavo tange takavavakira imba hombe yaidadisa ndokuvapa mari zhinji, uyu Ngoni ndakamudzosera kumba ndokubva imba taitengesa hedu ndokutenga imwe yaive muzita ra Joseph

Mutambo watsvuka ropa manje

End of chapter 7

💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭

NDAITI NDAZVIWANIRA

😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭😭💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔💔

Chapter 10

Zita ndinonzi Simbisai Magaisa kumusha ndinobva Kadoma, ndinemakore 26 ekuberekwa, mumhuri yedu takazvarwa tiri 5, vakomana 2 n vasikana 3, ini ndini wechi 4, wekutanga musikana Magret anonzi mai Munashe koteera mukomana anonzi Morgen anove baba Junior koteera musikana futi Memory anove mai Tendai kouya ini Simbisai kopedzisira mukomana anonz Emmanuel ari form 5, zvadero baba vakashaya Emma achiri mudumbu haatozive baba vake, mai vangu ndi nurse ndivo vakatikudza tose kusvika tapedza chikoro, ndine makore 26 ndigere pamba asi ndinemukomana wangu anoshanda kwa OK

Ndave ne two years ndichidanana na Joe asi aisambotaura zvekuroora ini ndange ndaneta nekugara pamba ini asi azvite kuudzira munhu kuti ndiroore, zvadero ndange ndakangomirira paachada ipapo asi ndange ndakusekwa nevezera rangu kuti ndakurisa, rimwe zuva mhamha vakauya nevamwe mai vaida kubatsirwa neni asi basa racho raityisa nekuti ukaita munyama unofa kana kusungwa, ndakazoudzao mukomana wangu akati zviribhooo ndokubatsira apana chinombotisa apa, chandakaona chakaita kuti andikurudzire imari yakataura ipapo uye business ndizvo zvakamutora moyo, zvadero ndakazobvumirana namai vaya ndokubva taenda South Africa ndiko kwaive nezvataida ikoko

Imba yataigara varume yaive yemberi chaiko ndakaona Joe akutarisisa kunge asingazive imba, ndakazondotsvaga basa kwakuriwana ndokutanga kushanda zvangu mwedzi uchipera ndokupiwa mari yangu, Joe ndipo paakataura zvekuda kundiroora ndakafara nekuti ndange ndaneta nekusekwa vamwe vangu vave nemhuri dzavo, boss vakazosvitsa shoko ndakamboramba kusvika Joe azonditi

Joe,,,, nhaiwe ko kuno wakavingei chaizvo saka ukaramba boss ava zvese zvinodiwa unozozviita sei manje kuti unorara naye here

Me,,,,, ko zvaunenge wakutondimanikidza zvee nhai ko akandibata zvekundimanikidza ndozodii iwe uchiti ndimude

Joe,,,, aambokubati anditi ndinenge ndiripo here kumba kwake hauyende iye ndiye unouya pano

Ndakambofunga ruviri kuda kuzvisiya ndikazofunga mazimari atakanzi tinopiwa mmmmmm ndakabva ndavada boss, mazuva akafamba ndichidanana na boss vangu umwe moyo ndakambofunga kutovada zvemene ndikaona futi kuti andifanire kurasisa sahwira wamhamha, zvose zvandaiita ndaiudzirwa zvekuita kusvika boss vazoperera pandiri ndofunga vaitoti nechemumoyo ndazviwanira babe rangu, mazuva akafamba pakatengwa vabereki vakanosiiwa kwamutare ndiko kwakazoitwa zvese ikoko, mari yakabuda yaive nemunhu pasi chaipo

Boss vakazotengera vabereki vangu vaya imba ndokubva yaiswa muzita rechimwe chikomana chaimira sa bhudhi vangu, Jose akazopiwao mari yakawanda ndiyo yaakandobvisa kumba kwedu ndokugadzira muchato, mazuva akafamba tichigadzira muchato ndokuzondichatira kunze kwenyika andizive zvakaitirwei hazvo, boss andina kuzonzwa nezvavo chandakangonzwa ndechekuti ma business avo ose ange ava muzita ma Jose, takagara kunze kwe two months ndokuzodzoka kumba takasvika tichipinda muimba itsva ngainake imba iyo, zvadero nemurume wangu taiwirirana chaiko ndikati apa ndazviwanira murume chaiye

Murume wangu aibuda kuenda south kundoona nezvema business ake ndokuzobatsirwa kuvhura rimwe na baba Princess, mari yange yachiwanda mumba manje muno mu Harare ange ave nema business hobho anditi aive nevabatsiri here, akazotengesa ose aive south saka ange akuita zvemuno chete asingachabudi ini ndakavhura shop yangu ye hembe neshangu hombe chaiyo, Joe akatanga kuti akaenda kunze kwenyika aita mwedzi asina kudzoka kana ari pamba pacho aisabva pafon neusiku ndakazosvika pakumuti

Me,,,,, nhai murume wangu ko mazuvano zvirikumbofamba sei auchina nguva neni uye fon yako auchasiye pasi unodaira pakati peusiku why

Joe,,,, watanga kundifungira zvisina basa pandakakuroora vamwe vasikana ndaisavaona here ndozovaona nekuti ndave newe here

Me,,,, no Jose andina kudero ndangobvunzao semukadzi wako ndinodao nguva newe dia, unoenda mhiri wondoita mwedzi paunodzoka unongove busy nefon mu bedroom unopinda ndatorara ndinenge ndichidao nezvako

Joe,,,,, ndirikuita zvebasa dia kwete kufunga bonde nguva dzose tikashanda kufadzana tisingaite basa tozodii

Ndakatanga kufunga kuti munhu uyu angadero aneumwe munhu here iyeyu nekuti maitiro ake andimapihwe mushe, ndinogona kufirira pamunhu asingatondide zvachose nekuti anditomunzwisise munhu uyu, munozviziva here kuti murume asingakude haanetsi kuona patakadanana kwenguva ndokuzondiroora nemari yakabva kuna boss, kureva kuti dai zvisiri izvi zvatakaita apana kuroorana kwataiita apa mmmmm ngatimboona pamwe ndirikufunga zvisizvo, mazuva akafamba ikave mwedzi ngoma ndiyo ndiyo haana kuchinja Joe ange akutoti pamwe pacho chero arimuno ange asingarari mumba

Zvandaitio ndazviwanira murume wangu manje zvaakudai ndodii ndinokaro unzirwa umwe mukadzi pano, ndaka tanga kuonda nehunhu hwemurume wangu ange avekuuya mumba kwakuedza ukabvunza zvonzi ndaive busy ku office, ndakambonoudzao amai vangu vakati musha ndewekushinga zvaunoona vose varimudzimba umu vanotosangana nezvikukutu kudarika zvako, ndakadzoka kumba kwangu kushop ndakatsvaga musikana itengesako ini ndaingoenda zvangu kundoona zvaanenge achiita hake ndichivaraidza ndiri ikoko

Mumba mangu mange makuvava apa tange tisina kana gore taroorana mheno kuti why, vamwe vanoti muchatanga kuroorana imba inonakidza but yangu yaisanakidza kana yaitorwadza yakanakidza pekutanga kwete ike zvino, misodzi yange yakugara irimumatama angu nekuda kwezvandaitirwa nemurume wangu aindirwadzisa

Vakaroorana murudo here ava?

Kanakuti Joe aingoda mari onyepa kuroora Simbisai

Comment anondipa simba rekunyora

End of chapter

18 • MAI JAY NOVELS WhatsApp Group Invite

Want your business to be the top-listed Beauty Salon in Pretoria?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Website

Address


Pretoria