Nhaurwa DzeSango Nedziva
Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Nhaurwa DzeSango Nedziva, Health/Beauty, Harare.
30/09/2026
Tine zvimwe zvinhu zvatisiri kuudzana hazvisi zvese zvaunoitirwa nemidzimu yako zvimwe unotoitirwao nemidzimu yevamwe ndo saka kune madzisahwira ndiri kutaura newe iwewe unoita matare zvichida une nhodzerwa dzematare zvichida unosvikirwa zvichida unosvika wega asi uchiita hako zvematare hazvigone kuti ugone zvese uri mumwe chete chivanhu sandi dambe ..Dare rechivanhu rine zviga zvakawandisa asi ukatadza kuzvibata mushe kana kuzvipendera nemazvo unogona kuzvi barira madzudzo anonetsa iwe nemhuri sandi zvese zvamunochema kumudzimu yenyu zvinobuda ..matare anoda kudzidza kugutsikana kana uri kupiwa pekugara nechekudya vatende naizvozvo ..iwe ukakomborerwa kuseva nemukaka ziva kune umwe aseva nemunyu asi arimo muchivanhu sandi zvese zvavanokwanisa zvinodao kupota muchitumburwao kwevamwe
Umwe unopiwa imba zvemwana wotsvakao kwevamwe
Umwe apiwa basa ..marriage wotsvakao kwevamwe hazvisi zvese zvavanogona vari vega ....
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Hakuna munhu asina chipo munhu wese akabarwa akapfumbata chipo chake asi zvipo izvi zvinototendwa zvinoto pembedzwa ..kune hushavi hwehuvhimi hausarudze kuti mukadzi Kana murume kwete kune vanhu vakabarwa vane (chipo)ane hushavi ari munhu kadzi agovhima kudarika munhu rume agogonazve kupembedza hushavi hwake nemazvo achibata inedehwe yemazviro kwavo asi munhu kadzi uyu kwoita munhu rume ane hushavi (chipo ) asi achivhima vakadzi chete chete chabuda hapana ..chiona nhasi takungozvi pembedzera zvipo tega asi kuziva kwangu zvinotungamirirwa nedzinza mashavi aisa taura asi waingoona nemabasa nezviito nezvishandwa woziva kuti apa pane hushavi ..musatengera mashavi aya mucharomba
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Chivanhu haisi magic /masaramusi
Chivanhu haisi satanic asi itsika nemagariro edu sevana vevatema ..ndinoona hangu vanhu vazhinji ukapinda masango nekachambwa kako nemavave ako zuva rimwechete wakutarisira mhinduro ipapo wakutoda mugove ipapo sahwira midzimu inotoona nekuziva kuti uyu itsotsi anouya mumasango kana adzudzika tikamupa haadzoke ko kana uri wechivanhu wadii waita chijairire kupinda masango wadii waita chijairire kutsikira kumadziva kwete kuinda paunoda kukumbira chete ukangopiwa waenda zvachose tarisai vechipfugamo kunyanya vechipostora itsika yavo nemagariro avo kuita mazambara nekutsikira mumatondo kunonamata pane tsumo yekuti masango matema changamire zvoreva ivo vakuru vaitoziva kuti masango ariko hawaivhima wakagara asi waito pinda musango vakatizve sango rinopa waneta kureva vaitozivao zvekare kuti kune sango asi unotoshanda kuti ubate ine dehwe musango imomo saka ngatidzokei pakutevedza zvinoda midzimu rive deveteve
Matare nemakwenzi
071 907 1278
04/09/2026
Shavi ngarionekwe nezviito wega unotoona kuti mhepo dzakandigara ndidzo chaidzo kana kuti mhenga (dzekupenga)ndoo matare aya ane machira asinga nzwisisike dzinoda kudzikamiswa ukasiya dzakadaro unogona kupenga kana kutadza kumisa musha kune mhepo dzinouya nesimba rehurapi dzigoto wadzana kana kufamba nana tateguru kune vaya vanopanda matare chero mubhawa chero munzira kana muchimbuzi kana kuma band kwenyu uko munokuziva munhu iyeye ane mbenga anoda kudzikamiswa taramba vanhu vanopanda nemashavi tateguru asati aturuka zvinoda kudzikamiswa hatidi matare shavi ..zorodzai mashavi aite zvekushava morega tateguru..muchembere..sekuru vaite matare vari ivo ..shavi imhepo yemunhu akambo rarama asi asiri wedzinza rako zvino iwe kana uri kurapa neshavi wakabata masuwo kupi ?chenjera kubaiwa nekurapa nemashavi
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Munotangirei matare muchiziva hamuna kuzvipira...kana wada chivanhu chisiya ana sorojena vatungamire kwete iwe utungamire kana uchinge wafunga kutekaidza chiteramira kwete kutungamira pamberi ndo mhaka uri kuona dare rako richitenderera panzvimbo imwechete mhaka matare achigere kugara muropa rako dzikamai mumatare siyai ana soro Jena vave mberi
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Mamwe mashavi haadi munhu wavo ashandire umwe munhu vanoda kuzvishandira ndipo paunowona uchishungurudwa kubasa kana kungodzingwa zvisina tsarukano ngatiwadzanei nemashavi edu tizive zvaanoda ..vamwe vashavi havadi zvekupiwa katsanga katsanga vanoda kuzvirimira vega chikumbira wako munda urime wega 🙏🏽
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Kana munhu uchitanga kuva mupotedzwi usati waziva matare kana kuziva rwendo rwematare kune mhepo dzinouya dzatinoti mbereka dzinenge dzichida kuvhiringidza kuti mupotedzwi atsaudzire asabata matare zvakanaka mhepo iyoyo ine huchenjeri inoziva kuti uyu tikamu tendera kuti abate matare ezvokwadi tinofumurwa ndosaka tichiti chenurwai uyezve mubatsiri ngaave akachenera akamirao pachokwadi nekuti rikabatwa njeee munoposha mukasimbisa mbereka muchiti mudzimu ..mhepo iyoyo inouya yodudza mafuko asi isina kunobata masuwo nhai sahwira dzvonzo redzimu nderei ? Kuchengeta dzinza ndizvooooo ??? Saka yako mhepo inoperera kunze kwemusha ndeipi ndeyani ? Taramba mhepo dzinouya kuzoshungurudza dzinza asi mhepo dzinouya kuno yananisa dzinza kuti mufambe nerimwechete mubatane muyanane ukaona dzimu rinoramba musha ziva kuti paikwa hondo ...
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Dare rudo
Dare tsitsi
Dare runyararo
Ukabata ipapo wagona ukaona wapotsa ipapo uchigere kuita matare ukanzwisisa kuti fembo ndere kufembedza vakuru vegere pauri kwete hondo aiwa wayaruka pamatare tinonzwa munoisa fembo mumipanda regai tipatsanure nhau yacho
FEMBO REMATARE
panoitwa nhaurirano pakati pako iwe dunga munhu nemhepo (vakuru vekwako ) ndo pakushanda fembo ematare chinofamba ne dare ndo pandareva tsitsi rudo runyararo zvareva kuti iwe uchataura nevakuru vako waka tetekera wakadzikama wakanyorova mhaka uri kuda nhaurirano pamatare saka kuzhangandira ndekwei ???
FEMBO REHONDO
fembo iri ndiri kuona riri kushandiswa pasipo ririkushandiswa zvisizvo ehe hongu hondo dziriko mukurarama asi vazhinji vedu takusikira vasina mhaka hondo
Ndinoti ko tadii kushandisa hondo payaka fanira
Vanetswa nevane zvikwereti
Vanetswa nemujolo
Vanetswa nemadzinza hongu munotenderwa mochirega kuisa chikwarimba
Kabadza
Kana fembo remhondoro pasi hazvisi zvehondoo ko ipo pamuri kuita matare enyu ehondo magara pasi here nevakuru venyu kumatare ? Mapangidzwa here kuti itai chino ne chino kana kuti rava remufungo wako ? Muri kupiwa gwara here nevekwenyu kana kuti muri kuita musanganiswa ? Dambudziko zvawaona kwa sahwira ndizvo zvawava kutedzera fuko ra sahwira ndo rawakushongao iwewe wazviwanepi ? Hauna chako chauri kuita asi rese rauri kutekaidza ndere kwa sahwira matare haafanane munhu ita redzinza rako kwete kuita zvasahwira sahwira ngaave muyananise kwete kugara uri pahupote
Matare nemakwenzi
071 907 071 907 1278
27/01/2026
For all your traditional herbs
+263719071278
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Website
Address
Harare
Alerts
Be the first to know and let us send you an email when Nhaurwa DzeSango Nedziva posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.